16 Ugamuchire mari yeyananiso kubva kuvaIsraeri ugoishandisa paushumiri hweTende Rokusangana. Chichava chirangaridzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha, muchiyananisira upenyu hwenyu.”
17 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
18 “Uite mudziyo wokushambira wendarira, nechigadziko chawo chendariria. Ugouisa pakati peTende Rokusangana nearitari uye ugoisa mvura mauri.
19 Aroni navanakomana vake vanofanira kushamba maoko avo netsoka dzavo nemvura kuitira kuti varege kufa.
20 Uyezve, pavanoswedera paaritari kuti vazoshumira nokupa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto,
21 vachashamba maoko avo netsoka dzavo kuitira kuti varege kufa. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi waAroni nezvizvarwa zvake kusvikira kumarudzi anotevera.”
22 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,