34 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora zvinonhuwira zvinoti sitaketi, onika negaribhanamu, uye zvinonhuwira zvakaisvonaka, zvose zvakaenzana,
35 ugoita zvakafanira kurungwa zvigova zvakaisvonaka uye zvive zvitsvene.
36 Ukuye zvimwe zvacho zvive upfu ugozviisa pamberi peChipupuriro chiri muTende Rokusangana, umo mandichasangana newe. Zvichava zvitsvene-tsvene kwauri.
37 Usazviitira zvinonhuwira zvipi zvazvo nenzira imwe cheteyo; uzvicherechedze kuti zvitsvene kuna Jehovha.
38 Ani naani achaita chipi zvacho chakafanana nacho kuti afadzwe nokunhuwira kwacho, anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.”