4 uye uite hata mbiri kumativi akatarisana. Kuti dzibate mapango anoshandiswa kuitakura.
5 Uite mapango aya nomuti womuakasia uye uafukidze negoridhe.
6 Uise aritari mberi kwechidzitiro chiri pamberi peareka yeChipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro peChipupuriro, pandichasangana newe.
7 “Aroni anofanira kupisa zvinonhuwira pamusoro pearitari mangwanani oga oga paanogadzira mwenje.
8 Anofanira kupisazve zvinonhuwira paanenge achitungidza mwenje madekwana saka zvinonhuwira zvinofanira kupiswa nguva dzose pamberi paJehovha kusvikira kumarudzi anotevera.
9 Musapisira pamusoro pearitari iyi zvimwewo zvazvo zvinonhuwira kana zvipiriso zvipi zvazvo zvinopiswa kana zvipiriso zvezviyo, uye musadururire chipiriso chinonwiwa pamusoro payo.
10 Aroni achaita yananiso panyanga idzi kamwe chete pagore. Yananiso yapagore iyi inofanira kuitwa neropa rokuyananisa rechipiriso chechivi kusvikira kumarudzi anotevera. Chitsvene-tsvene kuna Jehovha.”