9 Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndaona vanhu ava, uye vanhu vane mitsipa mikukutu.
10 Zvino ndirege hangu kuti kutsamwa kwangu kupfute pamusoro pavo uye kuti ndivaparadze. Ipapo iwe ndichakuita rudzi rukuru.”
11 Asi Mozisi akatsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wake, akati, “Haiwa Jehovha, kutsamwa kwenyu kungapfuta seiko pamusoro pavanhu venyu, vamakabudisa kubva muIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba?
12 VaIjipita vachataurireiko vachiti, ‘Akavabudisa muIjipiti nomurangariro wakaipa, kuti avauraye mumakomo uye nokuvaparadza panyika.’ Dzokai henyu pakutsamwa kwenyu kunotyisa; dzokai uye murege kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu venyu.
13 Rangarirai varanda venyu vana Abhurahama, Isaka naIsraeri, vamakapika kwavari nemi pachenyu muchiti, ‘Ndichaita kuti zvizvarwa zvenyu zviwande senyeredzi dzokudenga, uye ndichapa zvizvarwa zvenyu nyika iyi yose yandakavavimbisa, uye ichava nhaka yavo nokusingaperi.’ ”
14 Ipapo Jehovha akazvidemba uye akarega kuuyisa njodzi yaakanga oda kuisa pamusoro pavanhu vake.
15 Mozisi akadzoka uye akaburuka mugomo ane mahwendefa maviri eChipupuriro mumaoko ake. Akanga akanyorwa kumativi ose ari maviri, mberi neshure.