2 Ugadzirire mangwanani, uye ipapo ugouya pamusoro peGomo reSinai. Uzviise kwandiri iwe ipapo pamusoro pegomo.
3 Hapana munhu anofanira kuuya newe kana kuonekwa papi zvapo pamusoro peGomo; kunyange makwai kana mombe zvinopfuura pamberi pegomo.”
4 Saka Mozisi akaveza mahwendefa maviri amabwe akaita sookutanga uye akakwira pamusoro pegomo reSinai mangwananingwanani, sezvaakanga arayirwa naJehovha; uye akatakura mahwendefa maviri amabwe mumaoko ake.
5 Ipapo Jehovha akaburuka kwaari ari mugore uye akamira naye ipapo uye akazivisa zita rake, Jehovha.
6 Uye akapfuura napamberi paMozisi, achizivisa achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo uye akatendeka,
7 anoitira rudo kuzviuru zvamazana, uye achikanganwira zvakaipa, kumukira uye chivi. Asi haaregi ane mhosva asingarangwi; anoranga vana navana vavo nokuda kwechivi chamadzibaba avo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.”
8 Mozisi akapfugama pakarepo uye akanamata.