15 aritari yezvinonhuwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuwira kwazvo; chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri;
16 aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo;
17 zvidzitiro zvaparuvazhe namatanda azvo nezvigadziko, uye chidzitiro chomukova wokupinda paruvazhe;
18 hoko dzetende retabhenakeri uye dzeparuvazhe, netambo dzacho;
19 nguo dzakarukwa dzinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene yaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.”
20 Ipapo ungano yose yavaIsraeri yakabva pamberi paMozisi,
21 uye munhu wose aida uye akasundwa nomwoyo wake akauya nechipiriso kuna Jehovha chebasa rapaTende Rokusangana, noushumiri hwayo hwose, nezvenguo tsvene.