8 mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuwira zvamafuta okuzodza uye namafuta anonhuwira kwazvo;
9 mabwe eonikisi namamwe mabwe anokosha okuisa paefodhi nechidzitiro chechipfuva.
10 “Vose vane unyanzvi pakati penyu ngavauye vazogadzira zvinhu zvose zvakarayirwa naJehovha:
11 tabhenakeri netende rayo uye nechifukidzo chayo, zvikorekedzo, mapuranga, mbariro, mapango nezvigadziko;
12 areka namapango ayo uye chifunhiro chokuyananisa uye chidzitiro chinodzivirira;
13 tafura namapango ayo uye midziyo yayo yose uye nechingwa choKuvapo;
14 chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje;