17 Ipapo vakaita zvishwe makumi mashanu zvaitevedza mupendero wechidzitiro chokupedzisira muchibatanidzwa chimwe chete uyewo zvichitevedza mupendero wechidzitiro chokupedzisira muno mumwe mubatanidzwa.
18 Vakaita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu kuti zvisunganidze tende pamwe chete zvive sechinhu chimwe chete.
19 Ipapo vakagadzirira tende chifukidzo chamatehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku, uye pamusoro pacho chifunhiro chamatehwe emombe dzomugungwa.
20 Vakaita mapuranga akamiswa amatanda omuakasia etabhenakeri.
21 Puranga rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti gumie uye kubhiti rimwe nehafuf paupamhi,
22 nembambo mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Vakaita mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyi.
23 Vakaita mapuranga makumi maviri kurutivi rwezasi kwetabhenakeri