26 uye makumi mana ezvigadziko zvesirivha, zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.
27 Vakaita mapuranga matanhatu okumucheto cheto, iko kumavirira kwetabhenakeri,
28 uye mapuranga maviri akanga akagadzirirwa makona etabhanakeri nechokumucheto cheto.
29 Pamakona maviri aya mapuranga aiva maviri kubva pasi kusvikira kumusoro uye akaiswa mumhete imwe chete; ose akanga akagadzirwa zvakafanana.
30 Saka pakanga pana mapuranga masere uye zvigadziko gumi nezvitanhatu zvesirivha, zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.
31 Vakaitawo mbariro dzomuti womuakasia: shanu dzamapuranga aiva pano rumwe rutivi rwetabhenakeri,
32 shanu dzaaya aiva kuno rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga aiva kumavirira, pamucheto cheto kwetabhenakeri.