32 shanu dzaaya aiva kuno rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga aiva kumavirira, pamucheto cheto kwetabhenakeri.
33 Vakaita mbariro yapakati kuitira kuti ichinjike kubva kumucheto kusvikira kumucheto pakati pamapuranga.
34 Vakafukidza mapuranga negoridhe uye vakaita mhete dzegoridhe kuti dzibate mbariro. Vakafukidzawo mbariro negoridhe.
35 Vakaita zvidzitiro zvewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, namakerubhu akasonerwa pauri nemhizha ino unyanzvi.
36 Vakaita matanda mana omuti womuakasia vakaafukidza negoridhe. Vakaaitira zvikorekedzo uye vakaumba zvigadziko zvawo zvina zvesirivha.
37 Vakaita chidzitiro chomukova wokupinda mutende chewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye mucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romuruki;
38 uye vakaita matanda mashanu nezvikorekedzo zvawo. Vakafukidza misoro yamatanda nehata dzawo negoridhe uye vakaita zvigadziko zvawo zvishanu zvendarira.