1 Bhezareri akaita areka yamatanda omuakasia, yakareba makubhiti maviri nehafua, kubhiti rimwe nehafub paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira.
2 Akaifukidza negoridhe rakaisvonaka, zvose mukati nokunze, uye akaita hata yegoridhe yakaipoteredza.
3 Akaiumbira mhete dzegoridhe ina akadziisa pamakumbo ayo mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye dzimwe mbiri kuno rumwezve rutivi.
4 Ipapo akaita mapango omuti womuakasia uye akaafukidza negoridhe.
5 Uye akapinza mapango mukati memhete parutivi rweareka okuitakura nawo.
6 Akagadzira chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafuc pakureba uye kubhiti rimwe chete nehafud paupamhi.