9 Mapapiro amakerubhi akanga akabatanidzirwa kumusoro, achifukidza chifunhiro nomumvuri wawo. Makerubhi akanga akatarisana, akatarisa kuchifunhiro.
10 Vakagadzira tafura namatanda omuakasia, yakareba makubhiti mavirie, uye kubhiti rimwe chetef paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafug pakukwirira.
11 Ipapo vakaifukidza negoridhe rakaisvonaka uye vakagadzira hata yegoridhe yakaipoteredza.
12 Vakaiitirawo mukombero wakaipoteredza une upamhi hwakaita sechanza choruokoh ndokuisa hata yegoridhe pamukombero.
13 Vakaumba mhete ina dzegoridhe dzetafura uye vakadzisungirira pamakona mana, paya pakanga pana makumbo.
14 Mhete dzakaiswa pedyo nomukombero kuti dzibate mapango aishandiswa pakutakura tafura.
15 Mapango okutakura tafura akagadzirwa namatanda omuakasia uye akanga akafukidzwa negoridhe.