3 Vakaita midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo, foshoro dzayo, midziyo yokusasa zvibayiso zvenyama uye namakango apamoto.
4 Vakaitira aritari chiparo, mumbure wendarira, kuti chive pasi pechitsiko chayo, pakati napakati pokukwirira kwearitari.
5 Vakaumba mhete dzendarira kuti dzibate mapango amakona mana echiparo chendarira.
6 Vakaita mapango omuti womuakasia vakaafukidza nendarira.
7 Vakapinza mapango mukati memhete kuitira kuti agova pamativi earitari, kuti vaitakure nawo. Vakaita namapuranga, isina chinhu mukati.
8 Vakagadzira mudziyo wokushambira wendarira uye nezvigadziko zvawo zvendarira kubva pazvionioni zvamadzimai aishumira pamukova wokupinda muTende Rokusangana.
9 Pashure vakaita ruvazhe. Rutivi rwezasi rwakanga rwakareba makubhiti zanac uye rwaiva nezvidzitiro zvomucheka wakaisvonaka uye wakarukwa,