22 Mozisi akaisa tafura muTende Rokusangana nechokurutivi rwokumusoro kwetabhenakeri kunze kwechidzitiro
23 uye akaisa chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
24 Akaisa chigadziko chomwenje muTende Rokusangana chakatarisana netafura nechokurutivi rwezasi rwetabhenakeri
25 uye akamisa mwenje pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
26 Mozisi akaisa aritari yegoridhe muTende Rokusangana pamberi pechidzitiro,
27 uye akapisa zvinonhuwira pairi, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
28 Ipapo akaisa chidzitiro pamukova wetabhenakeri.