7 uise dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari ugoisa mvura mariri.
8 Ugadzire ruvazhe rwakaipoteredza uye ugoisa chidzitiro pamukova woruvazhe.
9 “Utore mafuta okuzodza ugozodza tabhenakeri nezvinhu zvose zvirimo; uinatse nenhumbi dzayo dzose, uye ichava tsvene.
10 Ipapo ugozodza aritari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose; unatse aritari, uye ichava tsvene-tsvene.
11 Uzodze dhishi nechigadziko charo ugozvinatsa.
12 “Uuye naAroni navanakomana vake kumukova weTende Rokusangana ugovashambidza nemvura.
13 Ipapo ugopfekedza Aroni nguo tsvene, umuzodze uye ugomunatsa kuti agondishumira somuprista.