19 Vanakomana vaMerari vaiva Mari naMushi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzaRevhi sokunyorwa kwadzo.
20 Amurami akawana hanzvadzi yababa vake Jokebhedhi, uyo akamuberekera Aroni naMozisi. Amurami akararama kwamakore zana namakumi matatu namanomwe.
21 Vanakomana vaIzhari vaiva Kora, Nefegi naZikiri.
22 Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, Erizafani naSitiri.
23 Aroni akawana Erishebha mwanasikana waAminadhabhi nehanzvadzi yaNashoni, uye akamuberekera Nadhabhu naAbhihu, Ereazari naItamari.
24 Vanakomana vaKora vaiva Asiri, Erikana naAbhiasafu. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaKora.
25 Ereazari mwanakomana waAroni akawana mumwe wavanasikana vaPutieri, uye akamuberekera Finehazi. Ava ndivo vakanga vari vakuru vemhuri dzavaRevhi, imba neimba.