1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata.
2 Kana uchiramba kuti vaende uye ukaramba uchivadzivisa,
3 ruoko rwaJehovha ruchauyisa hosha yakaipa pakati pezvipfuwo zvako zviri muminda napamusoro pamabhiza ako nembongoro dzako nengamera napamusoro pemombe dzako uye napamusoro pamakwai nembudzi.
4 Asi Jehovha achaisa mutsauko pakati pezvipfuwo zveIsraeri nezveIjipiti, kuitira kuti parege kuva nezvipfuwo zvavaIsraeri zvichafa.’ ”
5 Jehovha akatsaura nguva uye akati, “Mangwana Jehovha achaita izvi munyika.”