11 Pamusoro pezvo, ndinotemawo chirevo, kuti ani naani anoshandura shoko iri, bango rinofanira kubviswa paimba yake, uye anofanira kuturikwa agorovererwa pariri. Uye nokuda kwemhaka iyi, imba yake inofanira kuitwa murwi wamarara.
12 Mwari, akagarisa Zita rake ipapo, ngaaparadze mambo upi noupi kana vanhu vangatambanudza maoko avo kuti vashandure chirevo ichi kana kuparadza temberi iyi muJerusarema. Ini Dhariasi ndini ndatema chirevo ichi. Ngachizadziswe nenzira yakanyanyisa kunaka.
13 Ipapo, nokuda kwechirevo chakanga chatumirwa naMambo Dhariasi, Tatenai mubati wemhiri kwaYufuratesi, naSheshitari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaita izvi nenzira yakanakisisa.
14 Nokudaro vakuru vavaJudha vakaenderera mberi nokuvaka uye vakabudirira vachiparidzirwa naHagai muprofita naZakaria mwanakomana waIdho. Vakavaka temberi vakaipedza sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMwari weIsraeri nechirevo chaSirasi, Dhariasi naAtazekisesi madzimambo ePezhia.
15 Temberi yakapera kuvakwa pazuva rechitatu romwedzi waAdhari, mugore rechitanhatu rokutonga kwamambo Dhariasi.
16 Ipapo vanhu veIsraeri, vaprista, vaRevhi uye navamwe vose vakanga vakatapwa, vakapemberera kukumikidzwa kweimba yaMwari nomufaro.
17 Pakukumikidzwa kweimba iyi yaMwari vakabayira hando zana, makondohwe mazana maviri, namakwayana makono mazana mana uye sechipiriso chechivi chavaIsraeri vose, vakabayira nhongo dzembudzi gumi nembiri, imwe ichimirira rudzi rumwe norumwe rwaIsraeri.