16 Akadzosa zvinhu zvose uye akadzosawo hama yake Roti nepfuma yake, pamwe chete navakadzi navamwe vanhu.
17 Shure kwokudzoka kwaAbhurama akunda Kedhoraomeri namadzimambo akanga abatana naye, mambo weSodhomu akabuda kuti azosangana naye muMupata weShavhe (ndiwo Mupata waMambo).
18 Ipapo Merekizedheki mambo weSaremu akamuvigira chingwa newaini. Akanga ari muprista waMwari Wokumusoro-soro,
19 uye akaropafadza Abhurama, achiti,“Abhurama ngaaropafadzwe naMwari Wokumusoro-soro, Musiki wedenga napasi.
20 Uye Mwari Wokumusoro-soro ngaakudzwe, akaisa vavengi vako muruoko rwako.”Ipapo Abhurama akamupa chegumi chezvinhu zvose.
21 Mambo weSodhomu akati kuna Abhurama, “Ndipe vanhu uzvichengetere hako pfuma.”
22 Asi Abhurama akati kuna mambo weSodhomu, “Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari Wokumusoro-soro, Musiki wedenga napasi, uye ndakaita mhiko