22 Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kumurume.
23 Murume akati,“Zvino uyu ibvupa ramapfupa angu nenyama yenyama yangu;achanzi ‘mukadzi’, nokuti akatorwa kubva pamurume.”
24 Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
25 Murume nomukadzi wake vakanga vasina kusimira vose, uye havana kutongonyara.