20 Mwari akava nomukomana pakukura kwake. Akagara mugwenga akazova munhu aipfura nouta.
21 Paakanga achigara mugwenga reParani, mai vake vakamutsvakira mukadzi aibva kuIjipiti.
22 Panguva iyoyo Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake, akati kuna Abhurahama, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita.
23 Zvino ndipikire pano pamberi paMwari kuti hauzondinyengeri ini, kana vana vangu kana zvizvarwa zvangu. Ndiitirei tsitsi ini nenyika yaugere mairi somutorwa, kuti sezvandakakuitira tsitsi uchaita zvimwe chetezvo newewo.”
24 Abhurahama akati, “Ndinopika.”
25 Ipapo Abhurahama akagunun'una kuna Abhimereki pamusoro petsime remvura rakanga ratorwa navaranda vaAbhimereki.
26 Asi Abhimereki akati, “Handizivi akaita izvozvo. Iwe hauna kundiudza, uye ndatozvinzwa izvozvo nhasi chaiye.”