15 Mutumwa waJehovha akadana kuna Abhurahama kubva kudenga kechipiri
16 akati, “Ndinopika neni pachangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti nokuda kwokuti waita izvi uye kuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga,
17 zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye sejecha riri pamahombekombe egungwa. Zvizvarwa zvako zvichatora maguta avavengi vavo,
18 uye kubudikidza navana vako ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa, nokuti wakanditeerera.”
19 Ipapo Abhurahama akadzokera kuvaranda vake, uye vakasimuka vose pamwe chete vakaenda Bheerishebha.
20 Shure kwaizvozvo, Abhurahama akanzwa kuti, “Mirika ava maiwo; akaberekera munun'una wako Nahori vanakomana vanoti:
21 Uzi dangwe, Bhuzi munun'una wake, Kemueri (baba vaAramu),