54 Ipapo iye navarume vakanga vanaye vakadya uye vakanwa, uye vakanwa usiku uho.Akati amuka mangwanani, akati, “Ndiregei hangu ndichienda kuna tenzi wangu.”
55 Asi hanzvadzi yake namai vake vakapindura vakati, “Regai musikana agare nesu mazuva angaita kana gumi; ipapo mungazoenda henyu.”
56 Asi akati kwavari, “Musandirambidza, sezvo zvino Jehovha akandipa kubudirira parwendo rwangu. Ndiregei hangu ndiende kuna tenzi wangu.”
57 Ipapo vakati kwandiri, “Regai tidane musikana timubvunze nezvazvo.”
58 Saka vakadana Rabheka vakamubvunza vakati, “Uchaenda here nomurume uyu?”Iye akati, “Ndichaenda.”
59 Saka vakaendesa hanzvadzi yavo Rabheka, pamwe chete nomureri wake nomuranda waAbhurahama navanhu vake.
60 Uye vakaropafadza Rabheka vakati,“Iwe hanzvadzi yedu, uve mai wavazhinji vave zviuru nezviuru; vana vako ngavatore masuo avavengi vavo.”