19 Ava ndivo vaiva vanakomana vaEsau (ndiye Edhomu) uye aya ndiwo madzishe avo.
20 Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaSeiri muHori, vakanga vachigara mudunhu iroro: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana,
21 Dhishoni, Ezeri naDhishani. Vanakomana ava vaSeiri muEdhomu vakanga vari madzishe avaHori.
22 Vanakomana vaRotani vaiva: Hori naHomani. Timina akanga ari hanzvadzi yaRotani.
23 Vanakomana vaShobhari vaiva: Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami.
24 Vanakomana vaZibheoni vaiva: Ayia naAna. Uyu ndiye uya Ana akawana matsime emvura inopisa mugwenga paakanga achifudza mbongoro dzababa vake Zibheoni.
25 Vanakomana vaAna vaiva: Dishoni naOhoribhama mwanakomana waAna.