22 Vanakomana vaRotani vaiva: Hori naHomani. Timina akanga ari hanzvadzi yaRotani.
23 Vanakomana vaShobhari vaiva: Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami.
24 Vanakomana vaZibheoni vaiva: Ayia naAna. Uyu ndiye uya Ana akawana matsime emvura inopisa mugwenga paakanga achifudza mbongoro dzababa vake Zibheoni.
25 Vanakomana vaAna vaiva: Dishoni naOhoribhama mwanakomana waAna.
26 Vanakomana vaDhishoni vaiva: Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.
27 Vanakomana vaEzeri vaiva: Bhirihani, Zaavhani naAkani.
28 Vanakomana vaDishani vaiva: Uzi naArani.