27 Vanakomana vaEzeri vaiva: Bhirihani, Zaavhani naAkani.
28 Vanakomana vaDishani vaiva: Uzi naArani.
29 Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana,
30 Dishoni, Ezeri naDhishani. Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori zvichienderana namarudzi avo, munyika yaSeiri.
31 Aya ndiwo madzimambo akatonga muEdhomu pasati pambova namambo upi zvake akatonga muIsraeri:
32 Bhera mwanakomana waBheori akava mambo weEdhomu. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Dhinihabha.
33 Bhera akati afa, Jobhabhi mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo.