39 Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akati afa, Hadhari akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Pua, uye zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMeZahabhi.
40 Aya ndiwo madzishe akabva kuna Esau, namazita avo, maererano nedzimba dzavo namatunhu avo: Timina, Arivha, Jeteti,
41 Dhoribhama, Era, Pinoni,
42 Kenazi, Temani, Mibhiza,
43 Magidhieri naIramu. Aya ndiwo akanga ari madzishe eEdhomu, maererano namagariro avo munyika yavakatora.