12 Zvino madzikoma ake akanga abuda kundofudza makwai ababa vavo pedyo neShekemu,
13 uye Israeri akati kuna Josefa, “Sezvaunoziva, madzikoma ako ari kufudza makwai pedyo neShekemu. Uya, ndikutume kwavari.” Iye akati, “Zvakanaka.”
14 Saka akati kwaari, “Enda undoona kana zvinhu zvakanaka kumadzikoma ako nezvipfuwo, uye ugodzoka kwandiri neshoko.” Ipapo akamutuma achibva napaMupata weHebhuroni. Josefa akati asvika kuShekemu,
15 mumwe murume akamuwana achidzungaira musango uye akamubvunza akati, “Uri kutsvakeiko?”
16 Iye akapindura akati, “Ndiri kutsvaka madzikoma angu. Mungandiudzawo kwavanofudzira makwai avo here?”
17 Murume uya akati, “Vabva pano, ndavanzwa vachiti, ‘Ngatiendei kuDhotani.’ ” Saka Josefa akatevera madzikoma ake uye akandovawana pedyo neDhotani.
18 Asi vakamuona achiri kure, uye asati asvika kwavari, ivo vakarangana kumuuraya.