17 Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Mukurota kwangu, ndakanga ndimire pamahombekombe aNairi,
18 ipapo ndikaona mhou nomwe dzichibuda murwizi, dzakakora uye dzakanaka, uye dzikafura pakati petsanga.
19 Shure kwadzo, dzimwe mhou nomwe dzakabuda, dzine nzara uye dzakashata uye dzakaonda. Handisati ndamboona mhou dzakaipa kudai munyika yose yeIjipiti.
20 Mhou dzakaonda uye dzakashata dzakadya mhou nomwe dziya dzakakora dzakanga dzatanga kuuya.
21 Asi kunyange zvazvo dzakadzidya, hakuna munhu aigona kuona kuti dzakanga dzaita izvozvo; dzaingoratidzika kushata sezvadzakanga dzakaita kare. Ipapo ndakapepuka.
22 “Mukurota kwangu, ndakaonawo hura nomwe dzezviyo, dzizere uye dzakanaka, dzichikura padzinde rimwe chete.
23 Shure kwadzo dzimwe hura nomwe dzakamera, dzakasvava, dzakaonda uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva.