28 “Zvakangoita sezvandataura kuna Faro ndichiti: Mwari aratidza Faro zvaava kuda kuita.
29 Makore manomwe amaguta makuru ari kuuya munyika yose yeIjipiti,
30 asi makore manomwe enzara achaatevera. Ipapo maguta ose omuIjipiti achakanganwikwa, uye nzara ichaparadza nyika.
31 Maguta omunyika haachazorangarirwi, nokuti nzara inoatevera ichava huru kwazvo.
32 Kurota uku kwapiwa kuna Faro nenzira mbiri nokuti nyaya iyi yarongwa zvizere naMwari, uye Mwari achazviita nokukurumidza.
33 “Zvino Faro ngaatsvake munhu anonzwisisa uye akachenjera uye amugadze kuti ave mutariri wenyika yeIjipiti.
34 Faro ngaagadze vatariri pamusoro penyika kuti vaunganidze cheshanu chezvichakohwewa muIjipiti mukati mamakore manomwe aya amaguta.