2 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Vanhu ava vanoti, ‘Nguva haisati yasvika yokuti imba yaJehovha ivakwe.’ ”
3 Ipapo shoko raJehovha rakasvika nokumuprofita Hagai richiti,
4 “Ko, inguva here yokuti imi pachenyu mugare mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namapuranga, asi imba ino ichiramba iri dongo?”
5 Zvino zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Fungisisai pamusoro penzira dzenyu.
6 Makakusha zvizhinji, asi mukacheka zvishoma. Munodya, asi hamuguti. Munonwa, asi hamugundwi. Munopfeka nhumbi, asi hamudziyirwi. Munoshandira mubayiro, kuti muuise chete muhomwe ina maburi.”
7 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Fungisisai pamusoro penzira dzenyu.
8 Kwirai kumakomo, mundouya namatanda muvake imba, kuti ini ndiifarire ndigokudzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.