12 Pamunouya kuzozviratidza pamberi pangu, ndianiko akambokukumbirai izvi kwamuri, naikoku kutsika-tsika pavazhe dzangu?
13 Regai kuuya nezvipiriso zvisina maturo! Zvinonhuwira zvenyu zvinondinyangadza. Nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata nenguva dzekokorodzano, handigoni kufarira ungano dzenyu dzakaipa.
14 Mitambo yenyu yoKugara kwoMwedzi nemitambo yenyu yakatsaurwa inovengwa nomweya wangu. Zvava mutoro kwandiri; ndaneta nokuzvitakura.
15 Pamunotambanudza maoko enyu muchinyengetera, ini ndichakuvanzirai chiso changu; kunyange mukawanza munyengetero, handisi kuzokunzwai. Maoko enyu azere neropa;
16 shambai muzvinatse. Bvisai mabasa enyu akaipa pamberi pangu! Regai kuita zvakaipa,
17 dzidzai kuita zvakarurama. Tsvakai kururamisira, kurudzirai vakamanikidzwa. Dzivirirai nherera, mukumbirire chirikadzi.
18 “Chiuyai zvino titaurirane,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange zvivi zvenyu zviri zvitsvuku zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.