1 Chirevo pamusoro peDhamasiko: “Tarirai, Dhamasiko harichazovazve guta, asi richava murwi wamatongo.
2 Maguta eAroeri achasiyiwa uye achava mafuro ezvipfuyo, izvo zvichavata pasi, pasina anozvivhundusa.
3 Maguta akakomberedzwa namasvingo achanyangarika achibva pana Efuremu, uye simba roushe kubva paDhamasiko; vakasara veAramu vachava sembiri yavaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
4 “Pazuva iro mbiri yaJakobho ichaumbuka; mafuta omuviri wake achapera.
5 Zvichafanana nomukohwi anounganidza tsanga pamadzinde akamira, uyo anokohwa zviyo noruoko rwake, sezvinoita murume anononga hura dzezviyo muMupata weRefaimi.
6 Kunyange zvakadaro dzimwe tsanga dzichasara, sezvinoita muorivi kana wazunzwa, uchisiya maorivi maviri kana matatu pamatavi okumusoro-soro, mana kana mashanu pamatavi makuru anobereka,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari waIsraeri.