10 Haiwa, vanhu vangu vapwanyirwa paburiro, ndinokuudzai zvandanzwa kuna Jehovha Wamasimba Ose, kuna Mwari waIsraeri.
11 Chirevo pamusoro peDhuma:Mumwe anodana kwandiri ari kuSeiri, achiti,“Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?”
12 Nharirire inopindura ichiti,“Mambakwedza achauya, asi nousikuwo.Zvino kana uchida kubvunza, bvunza; uye ugodzokazve.”
13 Chirevo pamusoro peArabhia:Imi ngoro dzavaDhedhani, munodzika misasa mumatenhere eArabhia,
14 vigirai vane nyota mvura; imi munogara muTema, uyai nezvokudya zvavanotiza.
15 Vari kutiza munondo, kubva kumunondo wavhomorwa, nokuuta hwawemburwa, uye nokupisa kwehondo.
16 Zvanzi naJehovha kwandiri, “Pachinguva chegore rimwe chete, sokuverenga kungaita mushandi akabatwa nechibvumirano, kuzvikudza kwose kweKedhari kuchapera.