13 Chirevo pamusoro peArabhia:Imi ngoro dzavaDhedhani, munodzika misasa mumatenhere eArabhia,
14 vigirai vane nyota mvura; imi munogara muTema, uyai nezvokudya zvavanotiza.
15 Vari kutiza munondo, kubva kumunondo wavhomorwa, nokuuta hwawemburwa, uye nokupisa kwehondo.
16 Zvanzi naJehovha kwandiri, “Pachinguva chegore rimwe chete, sokuverenga kungaita mushandi akabatwa nechibvumirano, kuzvikudza kwose kweKedhari kuchapera.
17 Varume vouta vachapunyuka, ivo mhare dzeKedhari vachava vashoma.” Jehovha, Mwari weIsraeri ataura.