1 Chirevo pamusoro poMupata weChiratidzo: Chii chinokutambudzai zvino, zvokuti mose makwira pamusoro pamatenga edzimba?
2 Haiwa guta rizere nemheremhere, haiwa guta renyonganyonga nokupembera? Vakaurayiwa venyu havana kubayiwa nomunondo, kana kufira muhondo.
3 Vatungamiri vako vose vatiza pamwe chete; vabatwa pasina kushandiswa uta. Mose imi makabatwa mukaitwa vasungwa pamwe chete, kunyange makanga matiza muvengi achiri kure.
4 Naizvozvo ndakati, “Endai kure neni; regai ndicheme kwazvo. Musaedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwavanhu vangu.”