4 Naizvozvo ndakati, “Endai kure neni; regai ndicheme kwazvo. Musaedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwavanhu vangu.”
5 Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, ane zuva renyonganyonga nerokutsikira pasi nokutyisa muMupata woKuratidza, zuva rokukoromorera masvingo pasi nerokudanidzira kumakomo.
6 Eramu anotora goba, pamwe chete navatasvi vamabhiza nengoro; Kiri anofudugura nhoo.
7 Mipata yako yakaisvonaka yakazara nengoro, uye vatasvi vamabhiza vakaiswa pamasuo eguta;
8 kudzivirirwa kweJudha kwakabviswa.Uye pazuva iro makatarira, kuzvombo muMuzinda weSango;
9 makaona kuti Guta raDhavhidhi raiva napakakoromoka pakawanda munzvimbo dzokudzivirira; makazvichengetera mvura muDziva reZasi.
10 Makaverenga dzimba muJerusarema, mukaondomora dzimba kuti musimbise rusvingo.