6 Naizvozvo kutuka kunoparadza nyika, vanhu vayo vanofanira kuzvitakurira mhosva dzavo. Naizvozvo vagari vomunyika vopiswa, uye vashoma ndivo vasara.
7 Waini itsva yapwa uye muzambiringa wauna; vose vanoda mafaro vogomera.
8 Kufadza kwamakandira kwanyaradzwa, kupembera kwavapururudzi kwapera, rudimbwa rwomufaro rwanyaradzwa.
9 Havangazonwi waini vachiimba rwiyo; doro rava kuvava kuvanwi varo.
10 Guta rakoromorwa rava dongo; mukova wokupinda mudzimba dzose wapfigwa.
11 Vochemera waini mumigwagwa; mufaro wose washanduka wava kusuwa, mupururu wabviswa panyika.
12 Guta rasara rava dongo, masuo aro aputswa-putswa.