1 Pazuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa munyika yaJudha: Tine guta rakasimba; Mwari anoita kuti ruponeso ruve masvingo nenhare dzaro.
2 Zarurai masuo kuti rudzi rwakarurama rupinde, rudzi runochengeta kutenda.
3 Muchachengeta murugare rukuru munhu ano mwoyo wakasimba, nokuti anovimba nemi.
4 Vimba naJehovha nokusingaperi, nokuti Jehovha, iye Jehovha ndiye Dombo rokusingaperi.
5 Anoderedza avo vagere pakakwirira, anodzikisa pasi guta rapamusoro; anorideredza kusvikira pavhu uye anorikanda muguruva.
6 Tsoka dzicharitsikirira pasi, tsoka dzavakamanikidzwa, idzo tsoka dzavarombo.