1 Tarirai zvino, Ishe Jehovha Wamasimba Ose ava kuda kutora zvose rutsigiro nomudonzvo, kubva kuJerusarema neJudha; rutsigiro rwose rwezvokudya norutsigiro rwose rwemvura,
2 mhare nomurwi, mutongi nomuprofita, muvuki nomukuru,
3 mukuru wamakumi mashanu nomunhu anokudzwa, muchinda nomurume wemhizha, nomuvuki anoziva.
4 Ndichaita kuti majaya ave vabati vavo; vana vadiki ndivo vachavatonga.