6 “Ini, Jehovha, ndakakudana mukururama; ndichabata ruoko rwako. Ndichakuchengeta ndigokuita kuti uve sungano yavanhu nechiedza kuvaHedheni,
7 kuti usvinudze meso asingaoni, nokusunungura vakasungwa mutorongo uye usunungure vari mugomba, avo vagere murima.
8 “Ndini Jehovha; ndiro zita rangu! handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo.
9 Tarira, zvinhu zvakare zvaitika, uye ndiri kutaura zvinhu zvitsva; izvo zvisati zvavapo ndinozvizivisa kwamuri.”
10 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubva kumagumo enyika, imi munoburukira kugungwa, nazvose zviri mariri, imi zviwi, navose vanogaramo.
11 Gwenga namaguta aro ngazvidanidzire; nzvimbo dzinogara Kedhari ngadzifare. Vanhu veSera ngavaimbe nomufaro; ngavapururudze pamusoro pemakomo.
12 Ngavape rukudzo kuna Jehovha uye vaparidze rumbidzo yake kuzviwi.