23 Madzimambo achava madzibaba anokurerai, uye vanamambokadzi vavo vachava vanamai vanokurerai. Vachakupfugamirai uso hwavo hwakatsikitsira pasi, vachananzva guruva patsoka dzenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanovimba neni havachazonyadziswi.”
24 Ko, mhare ingapambwa here, kana vatapwa vanganunurwa kubva kune anotyisa here?
25 Asi zvanzi naJehovha,“Hongu vatapwa vachatorwa kubva kumhare, uye zvakapambwa kubva kune anotyisa; ndicharwa navanorwa newe, uye vana vako ndichavaponesa.
26 Ndichaita kuti vamanikidzi vako vadye nyama yavo; vachadhakwa neropa ravo, sevadhakwa newaini. Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.”