3 “Asi imi, uyai pano, imi vanakomana vomuroyi, imi chibereko chemhombwe nezvifeve!
4 Muri kuseka aniko? Ndiani wamunohomera uye wamunobudisira rurimi rwenyu? Ko, hamusi chibereko chemhandu here, nechizvarwa chavanoreva nhema?
5 Munotsva noruchiva pakati pemiti yemuouki napasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira; munobayira vana venyu mumipata napasi pamapazi akarembera.
6 Zvifananidzo zviri pakati pamatombo anotsvedzerera emipata ndiwo mugove wenyu; izvozvo, ndiwo mugove wenyu. Hongu, wakadururira chipiriso chokunwa kwazviri, uye ukapa chipiriso chezviyo. Ko, ini muchagona kundiripira zvinhu izvi here?
7 Wakawaridza nhoo pakakwirira napachikomo chirefu; ikoko wakakwira kundobayira zvibayiro.
8 Seri kwamakonhi ako nezvivivo zvako wakaisa chirangaridzo chavamwari vako. Uchindisiya ini, wakafukura mubhedha wako, wakakwira pauri ukaushamisa kwazvo; wakaita sungano naavo vane mibhedha yaunoda, uye wakatarisa kusasimira kwavo.
9 Wakaenda kuna Moreki namafuta omuorivhi ukawedzera zvinonhuwira zvako. Wakatumira nhume dzako kure; wakaburukira kuguva chaiko!