1 Haiwa, dai maibvarura matenga mukaburuka pasi, kuti makomo adedere pamberi penyu!
2 Sezvinoita moto paunopisa tsotso uchiita kuti mvura ivire, burukai muzoita kuti zita renyu rizivikanwe kuvavengi venyu, uye muite kuti ndudzi dzidedere pamberi penyu!
3 Nokuti pamakaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisina kutarisira, makaburuka pasi, makomo akabvunda pamberi penyu.
4 Kubva panguva dzekare hakuna munhu akanzwa, hakuna nzeve yakanzwa, hakuna ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu, angabatsira avo vanomumirira.
5 Munouya kuzobatsira avo vanofarira kuita zvakarurama, vanorangarira nzira dzenyu. Asi patakaramba tichivatadzira imi makatsamwa. Zvino tingaponeswa seiko?
6 Isu tose tafanana nousina kuchena, uye mabasa edu ose okururama afanana namamvemve enguo dzine tsvina; isu tose tinooma seshizha, semhepo zvivi zvedu zvinotitsvairira kure.