3 Nokuti pamakaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisina kutarisira, makaburuka pasi, makomo akabvunda pamberi penyu.
4 Kubva panguva dzekare hakuna munhu akanzwa, hakuna nzeve yakanzwa, hakuna ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu, angabatsira avo vanomumirira.
5 Munouya kuzobatsira avo vanofarira kuita zvakarurama, vanorangarira nzira dzenyu. Asi patakaramba tichivatadzira imi makatsamwa. Zvino tingaponeswa seiko?
6 Isu tose tafanana nousina kuchena, uye mabasa edu ose okururama afanana namamvemve enguo dzine tsvina; isu tose tinooma seshizha, semhepo zvivi zvedu zvinotitsvairira kure.
7 Hakuna anodana kuzita renyu anoshingairira kuti akubatei; nokuti makativanzira chiso chenyu mukaita kuti titsakatike nokuda kwezvivi zvedu.
8 Haiwa, Jehovha, kunyange zvakadaro muri Baba vedu. Isu tiri ivhu, imi muri muumbi; isu tose tiri basa ramaoko enyu.
9 Regai kutsamwa zvikuru imi Jehovha; regai kurangarira zvivi zvedu nokusingaperi. Haiwa Jehovha, ringirai kwatiri, tinokumbira, nokuti tose tiri vanhu venyu.