9 Regai kutsamwa zvikuru imi Jehovha; regai kurangarira zvivi zvedu nokusingaperi. Haiwa Jehovha, ringirai kwatiri, tinokumbira, nokuti tose tiri vanhu venyu.
10 Maguta enyu matsvene ava renje; kunyange Zioni irenje, Jerusarema rava dongo.
11 Temberi yedu tsvene inobwinya, umo madzibaba edu aikurumbidzai, yakapiswa nomoto, uye nzvimbo dzose dzataikoshesa dzaparara.
12 Haiwa Jehovha, mushure maizvozvi mungazvidzorawo here? Mucharamba munyerere, uye mugotiranga zvinopfuura mwero here?