6 Inzwai maungira ebope anobva muguta, inzwai mheremhere inobva mutemberi! Ndiwo maungira aJehovha achiripira vavengi vake zvose zvavakakodzera.
7 “Asati arwadziwa nemimba, anosununguka; kurwadza kusati kwauya pamusoro pake, anosununguka mwanakomana.
8 Ndiani akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Ko, nyika ingazvarwa pazuva rimwe here kana rudzi rungazvarwa pakarepo here? Kunyange zvakadaro, Zioni rakangoti kurwadziwa, pakarepo ndokubereka vana varo.
9 Ndingasvitsa panguva yokubereka ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, ndingazarira chizvaro ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.
10 “Pemberai pamwe chete neJerusarema uye mufarisise, imi mose munorinda; farisisai pamwe chete naro, imi mose munochema pamusoro paro.
11 Nokuti muchanwa mukaguta pamazamu ake anonyaradza; muchanwa zvikuru kwazvo muchafadzwa nezvakawanda zvake zvinopfachukira.”
12 Nokuti zvanzi naJehovha, “Ndichawedzera rugare kwaari sorwizi, uye upfumi hwendudzi sokudira kworukova; muchanwa uye muchatakurwa paruoko rwake, uye muchavaraidzwa pamabvi ake.