9 Ndingasvitsa panguva yokubereka ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, ndingazarira chizvaro ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.
10 “Pemberai pamwe chete neJerusarema uye mufarisise, imi mose munorinda; farisisai pamwe chete naro, imi mose munochema pamusoro paro.
11 Nokuti muchanwa mukaguta pamazamu ake anonyaradza; muchanwa zvikuru kwazvo muchafadzwa nezvakawanda zvake zvinopfachukira.”
12 Nokuti zvanzi naJehovha, “Ndichawedzera rugare kwaari sorwizi, uye upfumi hwendudzi sokudira kworukova; muchanwa uye muchatakurwa paruoko rwake, uye muchavaraidzwa pamabvi ake.
13 Samai vanonyaradza mwana wavo, saizvozvo ndichakunyaradzai; uye muchanyaradzwa pamusoro peJerusarema.”
14 Pamuchaona izvozvo, mwoyo wenyu uchafara, uye muchaita bumhudza sebundo; ruoko rwaJehovha rucharatidzwa kuvaranda vake, asi hasha dzake dzicharatidzwa kuvavengi vake.
15 Tarirai, Jehovha ari kuuya nomoto, uye ngoro dzake dzakaita sechamupupuri; achaburutsa kutsamwa kwake nehasha huru, uye kutuka kwake nomurazvo womoto.