6 “Handei tindorwa neJudha; ngatiribvarurei tigorigovana pakati pedu, tigogadza Tabheeri kuti ave mambo pamusoro paro.”
7 Asi zvanzi naIshe Jehovha,“ ‘Izvi hazvingamiri, hazvingaitiki, nokuti musoro weAramu iDhamasiko,
8 uye musoro weDhamasiko iRezini bedzi. Makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa zvokusazova rudzizve.
9 Musoro weEfuremu iSamaria, uye musoro weSamaria mwanakomana waRamaria bedzi. Kana usingamiri zvakasimba mukutenda kwako, hauchazomiri zvachose.’ ”
10 Jehovha akataurazve kuna Ahazi akati,
11 “Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako, kunyange pakadzikadzika kana pamusoro-soro.”
12 Asi Ahazi akati, “Handizokumbiri; handingaedzi Jehovha.”