3 Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri richiti,
4 “Tora bhanhire rawakatenga uye rawakasunga muchiuno chako uende iye zvino kuPerati undoriviga ikoko mumukaha wamatombo.”
5 Saka ndakaenda ndikandoriviga paPerati sezvandakaudzwa naJehovha.
6 Mazuva mazhinji akati apfuura Jehovha akati kwandiri, “Chienda zvino kuPerati undotora bhanhire randakati uvigeko.”
7 Naizvozvo ndakaenda kuPerati ndokufukunura bhanhire ndokuritora, uye risingachabatsiri zvachose.
8 Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
9 “Zvanzi naJehovha, ‘Nenzira imwe cheteyo ndichaodza kuzvikudza kweJudha nokuzvikudza kukuru kweJerusarema.